Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 10:7-16

Johani 10:7-16 SNA2002

Zvino Jesu akati kwavarizve, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ndini musuo wamakwai. Vose vakanditangira kuuya, imbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa. “Ndini musuo kana munhu apinda neni, achaponeswa, achapinda, achabuda, achawana mafuro. Mbavha inongouya, kuti ibe nokuuraya nokuparadza. Ini ndakauya, kuti ave noupenyu, uye ave nohwakawanda. “Ndini mufudzi akanaka; mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake. Muranda, asati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, anoti kana achiona bere richiuya, anosiya makwai, ndokutiza; bere rinoabvuta, nokuaparadza; anotiza, zvaari muranda; haana hanya namakwai. Ndini mufudzi akanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini, Baba sezvavanondiziva, neni ndichiziva baba; ndinorashira makwai angu hupenyu hwangu. Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawowo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe.

Verenga chikamu Johani 10

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neJohani 10:7-16