Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 10:22-42

Johani 10:22-42 SNA2002

Yaiva nguva yomutambo wokuvandudzwa kwetemberi paJerusaremu; chaiva chando. Jesu akafamba mutemberi pabiravira raSoromoni. Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari, “Uchatinetsa kusvikira ripiko? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.” Jesu akavapindura, akati, “Ndakakuudzai, mukasatenda. Mabasa andinoita nezita rababa, ndiwo anondipupurireni. Asi imi hamutendi, nokuti hamusi vamakwai angu. Makwai angu anonzwa izwi rangu; neni ndinoaziva, uye anonditevera. Ndinoapa upenyu husingaperi; haangafi nokusingaperi, uye hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu. Zvandakapiwa nababa vangu zvikuru kuna zvose; hakuna munhu ungaabvuta muruoko rwababa vangu. “Ini nababa tiri vamwe.” Zvino vaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake. Jesu akavapindura, akati, “Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka akabva kuna baba; munonditakira basa ripiko kuna iwaya?” VaJudha vakamupindura, vakati, “Hatikutakiri basa rakanaka; asi nokuti wamhura Mwari; uye, nokuti iwe munhu, unozviita Mwari.” Jesu akavapindura, akati, “Hazvina kunyorwa here mumurayiro wenyu, zvichinzi, ndakati, ‘Muri vamwari?’ “Zvino kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, (Rugwaro harungaputswi); imi moti seiko kuna iye akaitwa mutsvene nababa, nokutumwa panyika, unomhura Mwari, zvandakati, ndiri Mwanakomana waMwari? Kana ndisingaiti mabasa ababa vangu, regai kunditenda ini; asi kana ndichiaita, kunyange musinganditendi ini, tendai mabasa, mugoziva nokunzwisisa, kuti baba vari mandiri, neni ndiri muna baba.” Zvino vakatsvakazve kumubata, asi iye akapukunyuka pamaoko avo. Zvino akaendazve mhiri kwaJorodhani, paya paibhabhatidza Johani pakutanga; akagarapo. Vazhinji vakauya kwaari, vakati, “Johani haana kuita chiratidzo, asi zvose zvakareva Johani pamusoro pouyu ndezvechokwadi.” Vazhinji vakatenda kwaari ipapo.

Verenga chikamu Johani 10