Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 1:4-10

Jeremiya 1:4-10 SNA2002

Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti, “Ndakakuziva ndisati ndakuumba mudumbu ramai, ndakakuita mutsvene usati wabuda muchizvaro chamai; ndakakugadza kuti uve muporofita wamarudzi avanhu.” Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Mwari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mwanana hangu.” Asi Jehovha akati kwandiri, “Usati ndiri mwanana; nokuti kuna ani naani wandinenge ndichikutuma, unofanira kuenda, nechinhu chipi nechipi chandinenge ndichikuraira, unofanira kuchitaura. Usatya nokuda kwavo, nokuti zvanzi naJehovha, ‘Ini ndinewe, kuti ndikurwire.’ ” Ipapo Jehovha akatambanudza ruoko rwake, akabata muromo wangu; Jehovha akati kwandiri, “Tarira, ndaisa mashoko angu mumuromo mako. Tarira, ndakugadza zuva ranhasi uve nesimba pamusoro pamarudzi nopoushe, kuti udzure nokukoromora, kuparadza nokuwisira pasi, kuvaka nokurima.”

Verenga chikamu Jeremiya 1