Ipapo Gidheoni akapinda, akandogadzira mbudzana nezvingwa zvisina kuviriswa zveefa imwe youpfu; akaisa nyama mudengu, nokudira muto muhari; akamuvigira izvozvo pasi pomuouki, ndokumupa izvozvo. Asi mutumwa waJehovha akati kwaari, “Tora nyama nezvingwa zvisina kuviriswa, uzviise padombo iri, ugodururawo muto.” Iye akaita saizvozvo. Zvino mutumwa waJehovha ndokutambanudza muromo wetsvimbo, yakanga iri muruoko rwake, akagunzva nyama nezvingwa zvisina kuviriswa, moto ukabuda padombo, ukapedza nyama nezvingwa zvisina kuviriswa. Mutumwa waJehovha ndokunyangarika pamberi pake.
Ipapo Gidheoni akaona kuti mutumwa waJehovha. Gidheoni akati, “Haiwa, Jehovha Mwari! Nokuti ndaona mutumwa waJehovha zviso zvakatarisana.” Asi Jehovha wakati kwaari, “Rugare ngaruve newe, usatya, haungafi.” Ipapo Gidheoni akavakirapo Jehovha atari, akaitumidza zita rinonzi Jehovha-sharomi; ichiripo paOfura ravaAbhiezeri kusvikira nhasi.
Zvino nousiku ihwohwo Jehovha akati kwaari, “Tora nzombe yababa vako, iya yechipiri ina makore manomwe, uputse atari yaBhaari yababa vako, utemewo danda rokunamata naro riripo. Uvakire Jehovha Mwari wako atari pamusoro penhare iyi, nomutoo wakafanira, ugotora nzombe iyo yechipiri, ubayire chipiriso chinopiswa nehuni dzedanda rokunamata naro raunofanira kutema.” Ipapo Gidheoni akatora varume vane gumi kuvaranda vake, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; asi haana kuita izvozvo masikati, asi wakazviita usiku, nokuti wakatya veimba yababa vake navarume veguta.
Zvino varume veguta vakati vachimuka mangwanani, vakaona atari yaBhaari yaputswa, nedanda rokunamata naro raivapo ratemwa, nenzombe yechipiri yabayirwa paatari yakanga yavakwapo. Vakataurirana, vakati, “Ndianiko wakaita chinhu ichi?” Vakati vachinzvera nokubvunzisisa, zvikanzi, “Gidheoni mwanakomana waJoashi, ndiye wakaita chinhu ichi.” Zvino varume veguta vakati kuna Joashi, “Budisa mwanakomana wako, afe, nokuti waputsa atari yaBhaari, uye watema danda rokunamata naro raivapo pairi.”
Asi Joashi wakati kuna vose vakanga vachimupopotera, “Moda kurwira Bhaari kanhi? Moda kumuponesa? Unomurwira uchaurawa mangwanani ano; kana ari mwari, ngaazvirwire amene, zvaakaputsirwa atari yake nomunhu.” Saka nomusi iwoyo akamutumidza zita rinonzi Jerubhaari, achiti, “Bhaari ngaarwe naye, zvaakaputsa atari yake.”