Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 3:1-11

Vatongi 3:1-11 SNA2002

Zvino ndidzo ndudzi dzakasiyiwa naJehovha, kuti aidze vaIsiraeri nadzo, ivo vaIsiraeri vose vakanga vasina kuziva hondo dzose dzapaKenani; nemhaka iyo bedzi kuti marudzi avana vaIsiraeri azive, kuti avadzidzise kurwa, ivo vasina kumboziva izvozvo pakutanga; vaiti: Madzishe mashanu avaFirisitia, navaKenani vose, navaZidhoni, navaHivhi, vakanga vagere mugomo reRebhanoni, kubva pagomo reBhaariherimoni, kusvikira pavanopinda paHamati. Ivo vakasiyiwapo, kuti vaIsiraeri vaidzwe navo, kuti kuzikanwe kana vachida kuteerera mirairo yaJehovha yaakanga araira madzibaba avo naMosesi. Vana vaIsiraeri vakagara pakati pavaKenani, navaHeti, navaAmori, navaPerizi, navaHivhi, navaJebhusi. Ivo vakawana vakunda vavo, kuti vave vakadzi vavo, vakapa vanakomana vavo vakunda vavo, vakashumira vamwari vavo. Zvino vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakakanganwa Jehovha Mwari wavo, vakashumira vaBhaari namatanda okunamata nawo. Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsiraeri, akavatengesa muruoko rwaKushani-rishataimu, mambo weMesopotamia; vana vaIsiraeri vakashumira Kushani-rishataimi makore masere. Zvino vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha akamutsira vana vaIsiraeri muponesi, wakavaponesa, iye Otinieri, mwanakomana waKenazi, mun'una waKarebhu. Mweya waJehovha akauya pamusoro pake, akatonga vaIsiraeri, akandorwa, Jehovha akaisa Kushani-rishataimi, mambo weMesopotamia, muruoko rwake; ruoko rwake rukakunda Kushani-rishataimi. Ipapo nyika yakazorora makore ana makumi mana. Otinieri, mwanakomana waKenazi, akafa.

Verenga chikamu Vatongi 3