Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 2:1-10

Vatongi 2:1-10 SNA2002

Zvino mutumwa waJehovha wakabva Girigari, akaenda Bhokimi, akati, “Ndakakubudisa muIjipiti, ndikakusvitsai panyika yandakapikira madzibaba enyu, ndikati, ‘Handingatongoputsi sungano yangu nemi nokusingaperi; nemi hamufaniri kuita sungano navanhu vagere panyika ino; munofanira kuputsa atari dzavo. Asi hamuna kuteerera izwi rangu; makaitireiko izvozvo?’ Saka ini ndakatiwo, ‘Handingavadzingi pamberi penyu; asi vachava seminzwa kunhivi dzenyu, navamwari vavo vachava zvisungo kwamuri.’ ” Zvino mutumwa waJehovha wakati ataura namashoko iwayo kuvana vaIsiraeri vose, vanhu vose vakachema kwazvo. Ipapo vakatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Bhokimi, vakabayirapo Jehovha. Zvino Joshua wakati aendisa vanhu, vana vaIsiraeri vakaenda mumwe nomumwe kunhaka yake, kuti vagare panyika yavo. Vanhu vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, namazuva ose avakuru vakanga vachiri vapenyu Joshua atofa, ivo vakanga vaona mabasa makuru akanga aitirwa vaIsiraeri naJehovha. Zvino Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha akafa, ava namakore ane zana negumi. Vakamuviga panyika yenhaka yake paTiminati-heresi, panyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kwegomo reGaashi. Zvino vorudzi urwo rwose vakasanganiswa namadzibaba avo, rumwe rudzi rukamuka shure kwavo rwakanga rusingazivi Jehovha, kana basa raakaitira vaIsiraeri.

Verenga chikamu Vatongi 2