Jakobho 5:7-9
Jakobho 5:7-9 SNA2002
Naizvozvo hama dzangu, tsungirirai kusvikira pakuuya kwaIshe. Tarirai, murimi anomirira chibereko chenyika chinokosha, achitsungirira pamusoro pazvo kusvikira zvapiwa mvura yokutanga neyokuguma. Nemiwo tsungirirai; simbisai mwoyo yenyu, nokuti kuuya kwaIshe kwava pedyo. Hama dzangu, musanyunyutirana kuti murege kutongwa; tarirai, mutongi amire pamusuo.

