Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 6:1-5

Isaya 6:1-5 SNA2002

Pagore rokufa kwamambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira, mipendero yenguo dzake ichizadza temberi. Kumusoro kwake kwakanga kumire serafimi; imwe neimwe yakanga ina mapapiro matanhatu; namaviri yakafukidza chiso chayo, namaviri yakafukidza makumbo ayo, namaviri yakanga ichibhururuka nawo. Imwe yakadanidzira kune imwe, ichiti, “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wehondo; nyika yose izere nokubwinya kwake.” Nheyo dzezvikumbaridzo dzikazununguka nezwi rowakanga achidana, imba ikazadzwa noutsi. Ipapo ndikati, “Ndine nhamo! Nokuti ndoparara, nokuti ndiri munhu wemiromo yakan'ora, ndigere pakati pavanhu vemiromo yakan'ora; nokuti meso angu akaona Mambo; Jehovha wehondo.”

Verenga chikamu Isaya 6