Asi zvino zvanzi naJehovha, akakusika, iwe Jakobho, akakuumba, iwe Isiraeri, “Usatya hako, nokuti ndini ndakakudzikinura; ndakakudana nezita rako, uri wangu. “Kana uchipinda nomumvura zhinji, ndichava newe, kana nomunzizi, hadzingakunyudzi; kana uchifamba nomumoto, haungatsvi, nomurazvo haungakupisi. Nokuti ndini Jehovha Mwari wako; ndakaisa Ijipiti ruve rudzikinuro rwako, Itiopia neShebha panzvimbo yako. “Zvawakanga uchikosha pamberi pangu, uchikudzwa nokudikanwa neni, naizvozvo ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu panzvimbo youpenyu hwako. Usatya hako, nokuti ndinewe; ndichauyisa vana vako vabve kumabvazuva, nokukuunganidza ubve kumavirazuva
Verenga chikamu Isaya 43
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 43:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo