Asi zvino zvanzi naJehovha, akakusika, iwe Jakobho, akakuumba, iwe Isiraeri, “Usatya hako, nokuti ndini ndakakudzikinura; ndakakudana nezita rako, uri wangu.
“Kana uchipinda nomumvura zhinji, ndichava newe, kana nomunzizi, hadzingakunyudzi; kana uchifamba nomumoto, haungatsvi, nomurazvo haungakupisi. Nokuti ndini Jehovha Mwari wako; ndakaisa Ijipiti ruve rudzikinuro rwako, Itiopia neShebha panzvimbo yako.
“Zvawakanga uchikosha pamberi pangu, uchikudzwa nokudikanwa neni, naizvozvo ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu panzvimbo youpenyu hwako. Usatya hako, nokuti ndinewe; ndichauyisa vana vako vabve kumabvazuva, nokukuunganidza ubve kumavirazuva; ndichati kurutivi rwokumusoro, varege; nokurutivi rwezasi, usavadzivisa; uyai navanakomana vangu vari kure, navakunda vangu vari kumigumo yenyika; mumwe nomumwe anodanwa nezita rangu, wandakasika kuti ndikudzwe, wandakaumba, zvirokwazvo, wandakaita.”
Uyai namapofu, ana meso hawo, nematsi, dzine nzeve hadzo. Marudzi ose ngaaunganidzwe pamwechete, navanhu vakokerwe; ndianiko pakati pavo angatiudza izvozvi, angatiratidza zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo, varuramiswe; ngavanzwe, vati, “Ichokwadi.” Zvanzi naJehovha, “Ndimi zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura; kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe. Ini, iyeni, ndiJehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi. Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza; kwakanga kusina mwari wokumwe pakati penyu; saka imi muri zvapupu zvangu, neni ndiri Mwari, ndizvo zvinotaura Jehovha. Zvirokwazvo, kubva zuva ranhasi ndini iye; hakuna angwarwira munhu paruoko rwangu; ini ndichabata basa, ndiani angandidzivisa?”