Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 2:2-4

Isaya 2:2-4 SNA2002

Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri. Vanhu vazhinji vachaendako vachiti, “Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye achatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake;” nokuti murayiro uchabva paZioni, shoko raJehovha richabva Jerusaremu. Iye achatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.

Verenga chikamu Isaya 2