Nokuti Mwari haazati ari usakarurama, angakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, zvamakashumira vatsvene, muchivashumira nazvino. Zvino tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ashingaire saizvozvo, kuti muve netariro yakakwana kusvikira pakuguma. Kuti murege kuva nousimbe, asi muve vateveri vaivo vanodya nhaka yezvipikirwa nenzira yokutenda nokutsungirira. Nokuti Mwari pakupikira Abhurahamu, akapika naiye amene, nokuti akanga asina mukuru kwaari waangapika naye, akati, “Zvirokwazvo nokuropafadza ndichakuropafadza, nokuwanza ndichakuwanza.” Nokudaro, akati atsungirira, akawana chipikirwa. Nokuti vanhu vanopika nomukuru kwavari; nemhiko inosimbisa ndiyo inogumisa gakava rose pakati pavo. Saizvozvo Mwari akati achida zvikuru kuratidza vadyi venhaka yechipikirwa, kuti chirevo chake hachishandurwi, akapinda pakati nokupika; kuti nezvinhu zviviri zvisingashandurwi, (nokuti pazviri Mwari haagoni kureva nhema), tive nesimbiso yakabata, iyesu, takatizira kutariro yakaiswa pamberi pedu, kuti tiibate; yatinayo sechibatiso choMweya, tariro isingazununguswi, yakasimba, inopinda kunezviri mukati mechidziro chetemberi; pakapinda mutungamiriri nokuda kwedu, iye Jesu akaitwa mupristi mukuru nokusingaperi, anorudzi naMerekizedheki.
Verenga chikamu VaHebheru 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 6:10-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo