Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 5:1-10

VaHebheru 5:1-10 SNA2002

Nokuti mupristi mukuru mumwe nomumwe, akatorwa kuvanhu, anogadzwa nokuda kwavanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi; iye anogona kunzwira tsitsi avo vasingazivi navakatsauka, nokuti naiyewo amene akakomberedzwa noutera. Nemhaka iyo iye amene anofanira kuzvibayira pamusoro pezvivi zvake, sezvaanobayira zvavanhu. Hakuna munhu angazvitorera basa iri rinokudzwa, asi kana achidanwa naMwari saiye Aroni. Saizvozvowo Kristu haana kuzvikudza iye, achiitwa mupristi mukuru, asi akakudzwa naiye, akati kwaari, “Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakakubereka;” Sezvaanorevawo pane imwe nzvimbo, achiti, “Ndiwe Mupristi nokusingaperi Unorudzi naMerekizedheki.” Iye, pamazuva enyama yake, akauya kuna iye akanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari; kunyange aiva Mwanakomana, akadzidza kuteerera nezvaakatambudzika; akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera; akanzi naMwari Mupristi mukuru unorudzi naMerekizedheki.

Verenga chikamu VaHebheru 5