Nokutenda Josefa, ofa, akataura zvokubuda kwavana vaIsiraeri, akavarayira pamusoro pamapfupa ake.
Nokutenda Mosesi pakuberekwa kwake akavanzwa navabereki vake mwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana wakanaka; havana kutya murayiro wamambo.
Nokutenda Mosesi akura, akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao, akati zviri nani kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari pakufarira zvivi nguva duku; akati kuzvidzwa kwaKristu ipfuma huru kupfuma kwose kweIjipiti; nokuti akatarira mubayiro.
Nokutenda akabva Ijipiti, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti akatsungirira somunhu anoona iye asingaonekwi. Nokutenda, akavamba Pasika nokusasa ropa, kuti muurayi wamatangwe avarege ivo.
Nokutenda, vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakaoma; vaIjipiti vachiedza izvozvo, vakabitirirwa.
Nokutenda, masvingo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuva manomwe. Nokutenda, Rakabhi chifeve, haana kufa pamwechete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vashori norugare.
Ndichataurireiko zvimwe? Nokuti ndichapererwa nenguva, kana ndikataura zvaGidheoni, naBharaki, naSamisoni, naJefita, naDhavhidhi, naSamueri, navaporofita; avo vakakunda ushe nokutenda kwavo vakaita zvakarurama, vakapiwa zvipikirwa, vakadzivira miromo yeshumba. Vakadzima simba romoto, vakatiza minondo inopinza, vakasimbiswa muutera, vakava nesimba pakurwa, vakadzinga hondo dzamamwe marudzi. Vakadzi vakapiwazve vakafa vavo, vamutswa; vamwe vakapurwa, vakaramba kusunungurwa, kuti vawane kumuka kwakapfuura nokunaka; vamwe vakaedzwa, vachisekwa, vachirohwa zvikuru, uyezve vachisungwa, vachiiswa mutorongo; vakatakwa namabwe, vakaedzwa, vakaurawa nomunondo; vakafamba vakafuka matehwe amakwai, nenguo dzembudzi; vasina chinhu, vachitambudzika, vachiitirwa zvakaipa; (nyika haina kufanirwa navo), vachidzungaira mumarenje, nomumakomo, nomumapako, nomumakomba enyika.
Ava vose vakanga vapupurirwa nokutenda kwavo, asi havana kupiwa zvipikirwa, nokuti Mwari akanga atigadzirirwa, chimwe chinhu chinopfuura nokunaka, kuti ivo varege kukwaniswa kunze kwedu.