Habhakuki 3:1-4
Habhakuki 3:1-4 SNA2002
Munyengetero womuporofita Habhakuki, unoimbwa neShigionoti. “Aiwa, Jehovha, ndakanzwa mashoko enyu, ndikatya; Aiwa, Jehovha, mutsai basa renyu pakati pamakore; Rizivisei pakati pamakore; Pakutsamwa kwenyu rangarirai nyasha. Mwari anouya achibva Temani, Naiye Mutsvene achibva pagomo reParani. Sera. Umambo hwake hunofukidza denga rose, Nyika izere nokurumbidzwa kwake. Kupenya kuripo kwakafanana nechiedza; kwezuva kunobuda paruoko rwake, Simba rake rinovandapo.

