Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 26:17-25

Genesi 26:17-25 SNA2002

Isaka akabvapo, akandodzika matende ake mumupata weGerari, akagarapo. Isaka akacherazve matsime emvura, akanga acherwa pamazuva ababa vake, Abhurahamu; nokuti vaFirisitia vakanga vaadzivira Abhurahamu afa; akaatumidza mazita aakanga atumidzwa nababa vake. Varanda vaIsaka vakachera mumupata, vakawanapo tsime remvura inotubuka. Vafudzi veGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaka, vachiti, “Imvura yedu;” akatumidza tsime iroro zita rinonzi Eseki; nokuti vakapesana naye. Zvino akandocherazve rimwe tsime; vakaitirana nharo pamusoro pairorozve; akaritumidza zita rinonzi Sitina. Akabvapo, akandocherazve rimwe tsime; iroro havana kuzoitirana nharo pamusoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehobhoti; akati, “Nokuti zvino Jehovha wakandiitira nzvimbo huru, kuti tiwande munyika ino.” Akabvapo, akakwira Bheerishebha; Jehovha akazviratidza kwaari usiku ihwohwo, akati, “Ndini Mwari waAbhurahamu, baba vako; usatya, nokuti ndinewe, ndichakuropafadza, nokuwanza rudzi rwako nokuda kwaAbhurahamu, muranda wangu.” Akavakapo atari, akanamata zita raJehovha, akadzika tende rake ipapo; varanda vaIsaka vakacherapo tsime.

Verenga chikamu Genesi 26