Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 1:26-28

Genesi 1:26-28 SNA2002

Mwari akati: Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro penyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika. Mwari akasika munhu nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi. Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.

Verenga chikamu Genesi 1

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neGenesi 1:26-28