Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achiri mwana, haatongosiyani nomuranda, kunyange ari ishe wazvose; asi ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa. Saizvozvo nesuo, tichiri vana, takanga takasungwa pasi pezvokuvamba zvenyika; zvino nguva yakati yazara kwazvo, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro, kuti adzikinure vari pasi pomurayiro, kuti tipiwe umwana hwedu.
Zvino zvamuri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo medu unodana, achiti, “Aba, baba!” Saka iwe hauchiri muranda, asi mwanakomana, kana wava mwanakomana, wava mudyi wenhaka naMwari.
Asi nenguva iyo, zvamakanga musingazivi Mwari, maiva varanda vavamwari vasati vari vezvokwadi; asi zvino, zvamunoziva Mwari, zvikuru zvamunozikanwa naMwari, modzokerazve seiko kunezvokuvamba zvisina simba, zvourombo, muchidazve kutanga kuva varanda vazvo? Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore. Ndinotya pamusoro penyu, kuti zvimwe ndakabata basa kwamuri pasina.
Ndinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kundiitira chinhu chimwe chisakarurama; zvino munoziva kuti ndakakuparidzirai Vhangeri pakutanga nokuda kwokurwara panyama; nechinhu icho panyama yangu, chakanga chiri muedzo kwamuri, hamuna kuchizvidza, kana kuchisema; asi makandigamuchira somutumwa waMwari, saiye Kristu Jesu. Zvino kufara kwenyu kuripiko? Nokuti ndinokupupurirai, kuti kana maigona, maitumbura meso enyu mukandipa iwo. Zvino ndava muvengi wenyu, zvandakakuudzai chokwadi here? Vanokushingairirai nomutoo usakanaka; asi vanoda kukupfigirai kunze, kuti imi muvashingairire. Zvino zvakanaka kuti pachinhu chakanaka kushingairirwe nguva dzose, zvirege kuitwa kana ndiri kwamuri bedzi. Vana vangu vaduku, vandinotamburirazve kubereka, kusvikira Kristu aumbwa mukati menyu.
Ndaida kuti ndive nemi zvino, ndishandure izwi rangu; nokuti ndinokanganiswa nokuda kwenyu.
Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomurayiro, hamuteereri murayiro here? Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahamu akanga ana vanakomana vaviri, mumwe womurandakadzi, mumwe womukadzi akasununguka. Zvino womurandakadzi akaberekwa nenzira yenyama; asi womukadzi akasununguka akaberekwa sezvaakapikirwa. Zvinhu izvi zvinofananidzira; nokuti vakadzi ava vaviri isungano mbiri; imwe inobva pagomo reSina, inobereka vana vouranda ndiye Agari; zvino Agari ndiro gomo reSina muArabhia, rakaenzana neJerusaremu razvino; nokuti uri muuranda iye navana vake. Zvino Jerusaremu riri kumusoro rakasununguka, ndivo mai vedu; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi,
“Fara, iwe usingabereki, usingazvari,
Pururudza, udanidzire, iwe usingatamburi nokubereka,
Nokuti vana vomusiyiwa vazhinji
kunowaiye ano murume.”
Zvino imi, hama dzangu, muri vana vokupikirwa saIsaka. Asi sapanguva iyo, uyo wakaberekwa nenzira yenyama wakatambudza akaberekwa nenzira yoMweya, zvakadarowo nazvino. Asi Rugwaro runotiiko? “Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake; nokuti mwanakomana womurandakadzi haangadyi nhaka pamwechete nomwanakomana wowakasununguka.” Saka, hama dzangu, hatizi vana vomurandakadzi, asi vowakasununguka.