Pauro, mupostori, asina kubva kuvanhu, kana kutumwa nomunhu, asi naJesu Kristu, naMwari Baba, akamumutsa kuvakafa, nehama dzose dziri kwandiri, kusangano reGaratiya.
Nyasha norugare ngazvive nemi, zvinobva kuna Mwari, Baba vedu, naIshe Jesu Kristu, akazvipa nokuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure kunyika yakaipa yazvino, nokuda kwaMwari, Baba vedu; ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.
Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukadai kushandukira uyo akakudanai munyasha dzaKristu, kuti mutsaukire kuneimwe Vhangeri; isati iri imwe hayo; asi kuti vamwe varipo vanokukanganisai, vachida kushandura Vhangeri yaKristu. Asi kunyange isu, kana mutumwa anobva kudenga, akakuparidzirai imwe Vhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave akatukwa. Sezvatakamboreva, zvino ndinorevazve saizvozvo: Kana kuno munhu anokuparidzirai imwe Vhangeri, inopesana neiyo yamakagamuchira, ngaave akatukwa.
Nokuti zvino ndinoita ushamwari navanhu here, kana naMwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Kana ndaifadza vanhu nazvino, handizaiva muranda waKristu.