Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Esiteri 9:20-32

Esiteri 9:20-32 SNA2002

Zvino Modhekai akanyora zvinhu izvo, akatuma n’wadhi kuvaJudha vose vakanga vari pamativi ose enyika yamambo Ahashivheroshi, pedyo nokure, akavaraira kuti varangarire zuva iro regumi namana romwedzi weAdhari, nezuva regumi namashanu rawo, gore rimwe nerimwe, nokuti ndiwo mazuva vaJudha avakazorodzwa nawo pavavengi vavo, nomwedzi wavakashandurirwa nawo kuchema kwavo ukava mufaro, uye zuva rokuchema rikava zuva rakanaka; uye kuti vaaite mazuva omutambo noomufaro, nookutumirana zvinonaka uye zvipo kuvarombo. VaJudha vakatenda kuita nomutowo wavakatanga nawo, sezvavakanyorerwa naModhekai; nokuti Hamani mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wavaJudha vose akanga afunga zano rokuparadza vaJudha, akakanda Puri, ndiyo mijenya, kuvapedza nokuvaparadza; asi shoko iri rakati richisvika kuna mambo, iye ndokuraira nen’wadhi kuti zano iri rake rakaipa raakafunga pamusoro pavaJudha, ridzoserwe pamusoro wake, uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamatanda. Naizvozvo vakatumidza zita ramazuva iwayo Purimi nezita rePuri. Zvino nokuda kwamashoko ose e’nwadhi iyo, nezvavakaona pamusoro pechinhu icho, nezvavakaitirwa, vaJudha vakatema chirevo vakazvisunga, kuti ivo navana vavo, navose vaizozviisa kwavari, havangatongoregi kurangarira mazuva iwayo maviri, sezvakanga zvanyorwa pamusoro pawo, uye panguva yakanga yatarwa gore rimwe nerimwe; uye kuti mazuva iwayo arangarirwe nokutambwa pakati porudzi rumwe norumwe, nemhuri imwe neimwe, norutivi rumwe norumwe rwenyika neguta rimwe nerimwe; uye kuti mazuva iwayo ePurimi arege kutongoregwa pakati pavaJudha, arangarirwe nokusingaperi pakati pavana vavo. Ipapo vahosi Esiteri, mukunda waAbhihairi, naModhekai muJudha, vakanyora nesimba ravo rose vakasimbisa n’wadhi iyo yechipiri yePurimi. Akatuma n’wadhi kuvaJudha, vose vakanga vari pamativi ane zana namakumi maviri namanomwe enyika yamambo Ahashivheroshi, akanga ana mashoko orugare nezvokwadi, kuzosimbisa mazuva iwayo ePurimi panguva dzawo dzakatarwa, sezvavakarairwa naModhekai muJudha navahosi Esiteri, uye sezvavakanga vazvisunga ivo navana vavo pamusoro peshoko rokuzvinyima zvokudya nerokuchema kwavo. Murayiro waEsiteri ukasimbisa mashoko iwayo ePurimi; zvikanyorwa mubhuku.

Verenga chikamu Esiteri 9