“Chinzwa Isiraeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete. Ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose. Zvino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka. Unofanira kuasungira paruoko rwako, chive chiratidzo; uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso ako. Unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuo ako.
Verenga chikamu Dhuteronomi 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhuteronomi 6:4-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo