“Tarirai, ndakakudzidzisai zvakatemwa nezvakatongwa, sezvandakarairwa naJehovha Mwari wangu, kuti muite saizvozvo panyika yamunopinda, kuti ive yenyu. Naizvozvo muchengete izvozvo, muzviite; nokuti ndiko kuchenjera kwenyu nokungwara kwenyu pamberi pavanhu vachanzwa zvose izvi zvakatemwa, vachiti, ‘Zvirokwazvo, rudzi urwu rukuru ndivanhu vakachenjera vakangwara.’
“Nokuti rudzi rukuru ruripiko, runa mwari uri pedyo navo, saJehovha Mwari wedu nguva ipi neipi yatinodana kwaari? Rudzi rukuru ruripiko, rune zvakatemwa nezvakatongwa zvakarurama somurayiro uyu wose, wandinoisa pamberi penyu nhasi? Asi zvichenjererei, mushingaire kuchengeta mweya yenyu, kuti murege kukanganwa zvinhu zvamakona nameso enyu, zvirege kuzobva pamwoyo yenyu mazuva ose oupenyu hwenyu; asi munofanira kuzvizivisa vana venyu navana vavana venyu; musi wamakanga mumire pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhu, musi Jehovha waakati kwandiri, ‘Ndiunganidzire vanhu, ndivaudze mashoko angu, kuti vadzidze kunditya mazuva ose avachagara panyika, vagodzidzisa vana vavowo.’
“Imi mukaswedera, mukamira pajinga pegomo; gomo rikapfuta nomoto kusvikira pakati pedenga, pamwechete nerima, negore, nokusviba kukuru. Zvino Jehovha wakataura nemi ari mukati momoto; mukanzwa inzwi ramashoko, asi hamuna kuona kuti wakadini; makanzwa inzwi roga. Ipapo wakadudzira sungano yake kwamuri, yaakakurairai, kuti muiite, iye mirairo ine gumi; akainyora pamahwendefa maviri amabwe. Nenguva iyo Jehovha akandiraira, kuti ndikudzidzisei zvakatemwa nezvakatongwa, kuti mundozviita panyika iyo, kwamunoenda, kuzoiita yenyu.