Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 28:3-14

Dhuteronomi 28:3-14 SNA2002

Ucharopafadzwa muguta, ucharopafadzwa mumunda. Zvibereko zvomuviri wako, nezvibereko zvevhu rako, nezvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvemhou dzako, namakwayana amakwai ako, zvicharopafadzwa. Dengu rako, nomudziyo wako wokukanyira chingwa, zvicharopafadzwa. Ucharopafadzwa kana uchipinda, ucharopafadzwa kana uchibuda. Jehovha uchakukundisa vavengi vako, vanokumukira, pamberi pako; vachauya kuzorwa newe nenzira imwe, vachatiza pamberi pako nenzira nomwe. “Jehovha ucharaira kuti uropafadzwe pamatura ako, napazvose zvaunobata namaoko ako; uchakuropafadza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako. “Jehovha uchakusimbisa, kuti uve rudzi rwake rutsvene, sezvaakakupikira; kana uchichengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake. Vanhu vose venyika vachaona kuti iwe wakatumidzwa nezita raJehovha; vachakutya. Jehovha uchakuwanzira mufaro pazvibereko zvomuviri wako, napazvibereko zvemombe dzako, napazvibereko zvevhu rako, panyika yakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuti uchakupa iyo. Jehovha uchakuzarurira pfuma yake yakanaka yokudenga, akupe mvura yenyika yako nenguva yayo; nokuropafadza mabasa ose amaoko ako; iwe uchapa ndudzi zhinji chikwerete. Jehovha uchakuita musoro, haangakuiti muswe; uchava kumusoro bedzi, haungavi pasi; kana uchiteerera mirairo yaJehovha Mwari wako, yandinokuraira nhasi, uchishingaira kuiita; usingatsauki pane rimwe ramashoko andinokuraira, kurudyi kana kuruboshwe, uchitevera vamwe vamwari kuti uvashumire.