Nokuti ndinoda kuti muzive kurwa kukuru kwandinako pamusoro penyu, navari paRaodhikia, navose vasina kumboona chiso changu panyama; kuti mwoyo yavo isimbiswe, vasunganidzwe murudo, vave nepfuma yose yokunzwisisa kwakakwana, kuti vazive kwazvo chakavanzika chaMwari, iye Kristu; maari pfuma yose youchenjeri nokuziva yakachengetwa.
Ndinoreva izvi, kuti kurege kuva nomunhu anokurashai namashoko anonyengera. Nokuti kunyange ndisipo panyama, ndiripo nemi pamweya, ndinofara ndichiona kunzwana kwenyu, nokusimba kwokutenda kwenyu muna Kristu.
Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu, Ishe, fambai maari, mune midzi yenyu nokuvakwa kwenyu maari, makasimbiswa pakutenda, sezvamakadzidziswa, muchinyanya kuvonga.
Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu nouchenjeri, nokunyengera kusina maturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu. Nokuti kuzara kwohuMwari kunogara maari pamuviri.
Maari nemiwo makazadzwa, iye musoro wavabati vose namasimba; iye wamakadzingiswawo maari nokudzingiswa kusingaitwi namaoko, muviri wenyama uchibviswa, nokudzingiswa kuri kwaKristu; makavigwa pamwechete naye pakubhabhatidzwa, pamakamutswawo pamwechete naye nokutenda kwenyu simba raMwari akamumutsa kuvakafa. Nemi, imi makanga makafa pakudarika kwenyu napakusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakupai upenyu pamwechete naye, akatikanganwira kudarika kwedu kwose, akadzima rugwaro rwakanga ruchirwa nesu pazvirevo zvarwo, ruchipesana nesu; akarubvisa irwo pakati pedu, akarurovera pamuchinjikwa; akaparadza vabati namasimba, akavabudisa pachena, akavakunda mauri.