“Zvino makore makumi mana akati apera, mutumwa akaonekwa naye murenje regomo reSinai, mumurazvo womoto mugwenzi. Mosesi akati achizviona, akashamiswa nezvaakaona; zvino akati achiswedera kuzocherekedza, izwi raIshe rikanzwika, richiti, ‘Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho.’ Ipapo Mosesi akadedera, akatya kucherekedza. Ishe akati kwaari, ‘Bvisa shangu patsoka dzako, nokuti apo paunomira ivhu dzvene. Ndakaona hangu kwazvo kutambudzika kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndakanzwa kugomera kwavo, ndaburuka kuzovarwira; zvino uya ndikutume Ijipiti.’
“Uyu Mosesi wavakaramba, vachiti, ‘Ndiani wakakuita mubati nomutongi?’ Ndiye akatumwa naMwari nomutumwa akaonekwa naye mugwenzi, kuti ave mubati nomudzikinuri.
“Iye akavabudisa, akaita zvinoshamisa nezviratidzo munyika yeIjipiti, nomuGungwa Dzvuku, nomurenje, makore ana makumi mana. Ndiyeye Mosesi akati kuvana vaIsiraeri, ‘Mwari achakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, akafanana neni.’ Ndiyeye akanga ari kuungano murenje, anomutumwa akataura naye mugomo reSinai, anamadzibaba eduwo, akagamuchira mashoko mapenyu kuzotipa.
“Ndiye, wavakanga vasingadi kumuteerera ivo madzibaba edu; vakamuramba, vakadzokera Ijipiti nemwoyo yavo.
“Vakati kuna Aroni, ‘Tiitire vamwari, vangatitungamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, akatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi zvakaitika naye.’ Zvino vakaita mhuru namazuva iwayo, vakauya nechibayiro kuchifananidzo chavo, vakafarira mabasa amaoko avo. Zvino Mwari akavafuratira, akavarega kuti vashumire hondo yokudenga, sezvazvakanyorwa mubhuku yavaporofita, zvichinzi,
‘Ko makandivigira zvipfuwo zvakabayiwa nezvibayiro
Makore makumi mana murenje,
imi, imba yavaIsiraeri here?
Makatakura tabhenakeri yaMoroki,
Nenyeredzi yamwari wenyu Remifani,
Zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate;
Ndichakutamisai mberi kweBhabhironi.’