Zvino hama dzangu, tsanangurai pakati penyu varume vanomwe, vanopupurirwa zvakanaka, vazere naMweya nouchenjeri, vatingaisa pabasa iri. Asi isu tichatsungirira pakunyengetera napabasa rokuparidza shoko.” Shoko iri rikafadza vazhinji vose, vakatsanangura Sitefano, murume akanga azere nokutenda naMweya Mutsvene, naFiripi, naPirokoro, naNikano, naTimoni, naPamenasi, naNikorasi, nyakupindukira kuchiJudha weAndioki. Vakavaisa pamberi pavapostori; vakanyengetera, vakaisa maoko pamusoro pavo. Shoko raMwari rikakura, vadzidzi vakawanda zvikuru muJerusaremu; navapristi vazhinji vakagamuchira kutenda.
Verenga chikamu Mabasa 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 6:3-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo