Zvino takati taponeswa, tikaziva kuti chiwi chinonzi Merita. Vanhu venyika iyo vakatiitira unyoro kwazvo; nokuti vakabatidza moto, vakatigamuchira tose, nokuda kwemvura yakanga ichinaya, uye nokuda kwechando. Zvino Pauro akati aunganidza svinga routsotso, akahuisa pamoto, kukabuda nyoka nokudziya, ikanamatira paruoko rwake.
Vanhu venyika iyo vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana, vachiti, “Zvirokwazvo munhu uyu muurayi, nokuti kunyange adoponeswa hake pagungwa, Kururama hakumutenderi kuti ave mupenyu.”
Asi iye wakazunzira chikara mumoto, akasanzwa kurwadzwa. Ivo vakati achazvimba, kana kuwira pasi pakarepo, akafa; zvino vakati vatarira nguva refu, vakaona kuti haana kusvikirwa nenjodzi, vakashanduka voti, “Iye Mwari.”
Zvino pedyo ipapo paiva neminda yomukuru wechiwi, ainzi Pubhuiryo; iye akatigamuchira, akatigarisa zvakanaka mazuva matatu. Zvino baba vaPubhuriyo vakanga vavete pasi, vakabatwa nefivha nokubudisa ropa; Pauro akapinda kwavari, akanyengetera, ndokuisa maoko ake pamusoro pake, akamuporesa. Izvo zvakati zvaitwa, navamwewo vechiwi, vairwara, vakauya, vakaporeswa. Vakatikudza nokukudza kukuru; tichizoenda, vakaisa pachikepe zvinhu zvatakanga tichishayiwa.