Bopoto rakati ranyarara, Pauro akadana vadzidzi, akavarayira, ndokuonekana navo, akabva achida kuenda Makedhonia. Akagura namativi enyika idzo, akarayira vatendi namashoko mazhinji, ndokusvika panyika yavaGiriki. Akati agara mwedzi mitatu, rangano yakaipa ikaitwa navaJudha pamusoro pake, oda kuenda Siria nechikepe, akati ndodzokera napaMakedhonia. Akaperekedzwa naSopato weBhereya, mwanakomana waPiro; naArisitakusi naSekundo veTesaronika; naGayo weDhebhe, naTimotio; uye Tikiko naTirofimo veAsia. Ivo vakatungamira, vakatimirira paTuroasi.
Isu tikabva Firipi nechikepe mazuva ezvingwa zvisina mbiriso apfuura; tikasvika kwavari paTuroasi namazuva mashanu; tikagarapo mazuva manomwe.
Zvino nomusi wokutanga wevhiki, takaungana kuti timedure chingwa, Pauro akataurirana navo, achida kuenda mangwana; akaramba achiparidza shoko kusvikira pakati pousiku. Kwakanga kune mwenje mizhinji muimba yokumusoro, matakanga taungana.
Zvino pawindo pakanga pagere rimwe jaya, rainzi Yutiko, rikabatwa nehope kwazvo; zvino Pauro, akati achingoramba achiparidza, iye akabatwa nehope, akawira pasi, achibva paimba yechitatu yokumusoro, akasimudzwa afa. Ipapo Pauro akaburuka, akazviwisira pamusoro pake, akamufungatira, akati, “Musaita bopoto, nokuti mweya wake uchiri maari.” Akakwira, akamedura chingwa, akadya, akataura navo nguva refu kusvikira kuchiedza, ndokuenda.
Vakauya nomukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa kwazvo.
Asi isu takatungamirira kuchikepe, tikaenda Aso, tichida kutora Pauro ipapo, nokuti akanga arayira saizvozvo, iye achida kufamba namakumbo. Tikati tasangana naye paAso, tikamutora, tikandosvika Mitirene; tikabva ipapo nechikepe, fume mangwana tikasvika pakatarisana neKiyo; fumwe mangwana tikapfuura napaSamo; fumwe mangwanazve tikasvika Mireto. Nokuti Pauro akanga ati, ndichapfuura Efeso nechikepe, kuti arege kunonoka paAsia; nokuti akanga achikurumidza kuti kana aizvigona ave Jerusaremu nezuva rePendekositi.