Zvino nenguva inenge iyeyo mambo Herodhi akatambanudza maoko ake kuti atambudze vamwe vekereke; akauraya Jakobho, mukuru waJohani, nomunondo.
Zvino akati achiona kuti zvafadza vaJudha, ndokupfuura akabatawo Petirosi. Aiva mazuva ezvingwa zvisina mbiriso. Zvino akati amubata, akamusunga akamuisa mutorongo, kumapoka mana, rimwe nerimwe rina varwi vana, kuti vamurinde, achiti amuise pamberi pavanhu, kana Pasika yapfuura.
Naizvozvo Petirosi akachengetwa mutorongo; asi akanga achinyengetererwa zvikuru nekereke kuna Mwari.
Zvino Herodhi akati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petirosi akanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa namangetani maviri; navarindi vakanga vachirinda torongo pamberi pomusuo. Ipapo tarira, mutumwa waIshe akamirapo, chiedza chikapenya mumba; akarova Petirosi parutivi, ndokumumutsa, achiti, “Muka, ukurumidze.” Ipapo ngetani dzakawa pamaoko ake. Mutumwa akati kwaari, “Zvisunge chiuno, usungire shangu dzako.” Akaita saizvozvo. Akati kwaari, “Fuka nguo yako, unditevere.” Akabuda, akamutevera, asingazivi kuti zvirokwazvo zvinoitwa nomutumwa; asi akati ndinoona chiratidzo.
Zvino vakati vapfuura murindi wokutanga nowechipiri, vakasvika pasuo ramatare, pavaipinda napo paguta; rikangovazarukira roga; vakabuda, vakapfuura neimwe nzira, mutumwa ndokubva kwaari pakarepo.
Petirosi akati apengenuka, akati, “Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe akatuma mutumwa wake, akandirwira paruoko rwaHerodhi napazvose zvakanga zvichifungwa navanhu vavaJudha.”
Zvino akati arangarira izvozvo, akaenda kumba kwaMaria, mai vaJohani, ainzi Mako; vazhinji vakanga vakaunganapo, vachinyengetera. Zvino akati agogodza pagonhi resuo, musikana ainzi Rhoda akauya kuzoteerera.
Iye akati achinzwa izwi raPetirosi, akasazarura suo nomufaro, asi akamhanhyira mukati akavaudza kuti Petirosi amire pasuo. Ivo vakati kwaari, “Unopenga.” Asi iye akasimbisa achiti, “Ndizvozvo.” Ivo vakati, “Mutumwa wake.”
Asi Petirosi akaramba achigogodza; vakazozarura, vakamuona, vakashamiswa. Zvino iye akavaninira noruoko kuti vanyarare, akavarondedzera mutoo waakabudiswa nawo naIshe patorongo. Akati, “Udzai Jakobho nehama zvinhu izvozvi; ndokubva akaenda kumwe.”
Zvino kwakati kwaedza, bope guru rikavapo pakati pavarwi, vachiti, “Petirosi aitwa sei.”