Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 10:24-33

Mabasa 10:24-33 SNA2002

Fumezve mangwana akapinda Kesaria. Zvino Konerio akanga akavamirira, akakokera hama dzake neshamwari dzake dzaidikanwa. Zvino Petirosi akati achipinda, Konerio akamuchingamidza, akawira pasi petsoka dzake, akamupfugamira. Asi Petirosi akamusimudza, akati, “Simuka, neni ndiri munhuwo.” Zvino akati achataura naye, akapinda, akawana vazhinji vakaungana, akati kwavari, “Imi munoziva kuti hazvina kufanira kuti muJudha afambidzane nomunhu worumwe rudzi, kana kuuya kwaari. Asi Mwari akandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana kunaka, kana kuti ane tsvina; naizvozvo ndauya, ndisingaramba, zvandadanwa; zvino ndinobvunza kuti mandidanireiko.” Konerio akati, “Ava mazuva mana kusvikira nguva ino, ini ndakanga ndichinyengetera mumba mangu nenguva yepfumbamwe; ipapo ndikaona murume amire pamberi pangu, ane nguo dzinopenya, akati, ‘Konerio, kunyengetera kwako kwanzwikwa, nezvipo zvako zvarangarirwa naMwari. Naizvozvo chitumira vanhu Jopa, udane Simoni, anonzi Petirosi; anogara mumba maSimoni musuki wamatehwe, pagungwa.’ Naizvozvo ndakakurumidza kutuma kwamuri; zvino maita zvakanaka, zvamauya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari kuti tinzwe zvose zvamarayirwa naIshe.”

Verenga chikamu Mabasa 10