Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 1:6-11

Mabasa 1:6-11 SNA2002

Zvino ivo, vakati vaungana, vakamubvunza, vachiti, “Ishe, modzosera ushe kuna vaIsiraeri nenguva ino here?” Akati kwavari, “Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo. Asi muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu muJerusaremu, nomuJudhea yose, nomuSamaria, kusvikira kumugumo wenyika.” Zvino akati areva izvozvi, akakwidzwa, vachitaririra; gore rikamubvisa, vakasazomuona. Zvino vachitarisisa kudenga, iye achikwira, tarira, varume vaviri vamira navo vakafuka nguo chena; ivo vakati, “Imi varume veGariria, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu, akabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, achauya saizvozvo, sezvamamuona achienda kudenga.”

Verenga chikamu Mabasa 1