Zvino Dhavhidhi wakaunganidzazve varume vose vakanga vakatsaurwa vavaIsiraeri, vakanga vane zviuru zvina makumi matatu. Dhavhidhi akasimuka, akaenda navanhu vose vaakanga anavo, vachibva Bhaarijudha, kuti vatorepo areka yaMwari, panodanwa Zita, iro Zita raJehovha wehondo, ugere pamusoro pamakerubi. Vakaisa areka yaMwari pamusoro pengoro itsva, vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu, yakanga iri pachikomo, Uza naAhiyo, vanakomana vaAbhinadhabhu, vakafambisa ngoro itsva.
Vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu, yakanga iri pachikomo, ine areka yaMwari; Ahiyo akatungamirira areka. Dhavhidhi neimba yose yaIsiraeri vakaridza pamberi paJehovha zvinoridzwa zvamarudzi ose, zvomusiperesi, nembira, nemitengeranwa, nengoma, namatare, anoridzwa, namakandira.
Zvino vakati vachisvika paburiro raNakoni, Uza ndokutambanudzira ruoko rwake kuareka yaMwari, akaibata, nokuti nzombe dzakanga dzogumburwa. Kutsamwa kwaJehovha kukamukira Uza, Mwari akamuuraya ipapo, nemhaka yokutadza kwake, iye akafirapo paareka yaMwari. Dhavhidhi akawora mwoyo nokuti Jehovha wakanga arova Uza, akatumidza nzvimbo iyo Pereziuza kusvikira zuva ranhasi.
Dhavhidhi akatya Jehovha zuva iro, akati, “Zvino areka yaJehovha ichasvika seiko kwandiri?” Naizvozvo Dhavhidhi akaramba kuisa areka yaJehovha kwaari muguta raDhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaitsautsira kumba kwaObhedhiEdhomu muGiti. Areka yaJehovha ikagara mumba maObhedhiEdhomu muGiti mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza ObhedhiEdhomu neimba yake yose.
Zvino vakaudza mambo Dhavhidhi, vachiti, “Jehovha wakaropafadza imba yaObhedhiEdhomu nezvose zvake nokuda kweareka yaMwari.” Ipapo Dhavhidhi akaenda akatora areka yaMwari kumba kwaObhedhiEdhomu, akakwira nayo kuguta raDhavhidhi nomufaro. Zvino nguva dzose kana ivo, vakatakura areka vachinge vafamba nhambwe nhanhatu, akabaya mombe nemhuru yakakora. Dhavhidhi akatamba pamberi paJehovha nesimba rake rose; Dhavhidhi akanga akafuka efhodhi yomucheka. Naizvozvo Dhavhidhi neimba yose yaIsiraeri vakakwira neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda.