Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 12:7-24

2 Samueri 12:7-24 SNA2002

Natani akati kuna Dhavhidhi, “Ndiwe munhu uyo! Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Ndakakuzodza iwe kuti uve mambo waIsiraeri, ndikakurwira paruoko rwaSauro, ndikakupa imba yatenzi vako, navakadzi vatenzi vako pachipfuva chako, ndikakupa imba yaIsiraeri neyaJudha; uye dai izvo zvisina kuringana, ndaikuwedzera zvokuti nezvokuti. Wazvidzireiko shoko raJehovha, ukaita zvakaipa pamberi pake? Wauraya Uriya muHiti nomunondo, ukatora mukadzi wake kuti ave mukadzi wako, ukamuurayisa nomunondo wavaAmoni. Naizvozvo zvino munondo haungabvi paimba yako nokusingaperi; nokuti wakandizvidza, ukatora mukadzi waUriya muHiti kuti ave mukadzi wako.’ Zvanzi naJehovha, ‘Ndichakumutsira zvakaipa zvichabva mumba mako, ndichatora vakadzi vako pamberi pako ndichavapa waugere naye, iye uchavata navakadzi vako masikati machena. Nokuti iwe wakazviita pakavanda, asi ini ndichazviita pamberi pavaIsiraeri vose, ari masikati machena.’ ” Ipapo Dhavhidhi akati kuna Natani, “Ndatadzira Jehovha.” Natani akati kuna Dhavhidhi, “Jehovha wakanganwirawo zvivi zvako; haungafi. Kunyange zvakadaro, zvawakabatsira kwazvo vavengi vaJehovha kumumhura nechinhu ichi chawaita, uyo mwana wawaberekerwa, zvirokwazvo uchafa.” Natani akabva, akaenda kumba kwake. Jehovha akarova mwana wakanga aberekerwa Dhavhidhi nomukadzi waUriya, akarwara kwazvo. Naizvozvo Dhavhidhi akanyengeterera mwana kuna Jehovha, akazvinyima zvokudya, akapinda, akavata pasi usiku hwose. Vakuru veimba yake vakasimuka, vakaenda kwaari, vakada kumumutsa pasi; asi iye wakaramba, akasadyawo zvokudya navo. Zvino nezuva rechinomwe mwana akafa. Varanda vaDhavhidhi vakatya kumuudza kuti mwana wafa, nokuti vakati, “Tarirai, mwana achiri mupenyu, takataura naye, akasateerera mazwi edu; zvino uchatambudzika seiko, kana tikamuudza kuti mwana wafa.” Asi Dhavhidhi wakati achiona kuti varanda vake vanoita zeve‐zeve, Dhavhidhi akaziva kuti mwana wafa; Dhavhidhi akati kuvaranda vake, “Mwana wafa here?” Ivo vakati, “Wafa.” Ipapo Dhavhidhi akasimuka pasi, akashamba, akazora mafuta, akafuka dzimwe nguo, akapinda mumba maJehovha, akanamata; ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira zvokudya, vakamupa, akadya. Ipapo varanda vake vakati kwaari, “Ndokudiniko? Achiri mupenyu makazvinyima zvokudya, mukachema mwana, asi zvino mwana wakati afa, mukasimuka mukadya zvokudya.” Iye akati, “Mwana achiri mupenyu ndakazvinyima zvokudya, ndikachema, nokuti ndakati, ‘Ndianiko ungaziva, zvimwe Mwari ungandinzwira tsitsi, mwana akararama hake?’ “Asi zvino wafa hake, ndichazvinyimireiko zvokudya? Ndingamudzosazve here? Ini ndichaenda kwaari, asi iye haangadzokeri kwandiri.” Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, akapinda kwaari, akavata naye, iye akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Soromoni. Iye akadikanwa naJehovha.