Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 12:1-15

2 Samueri 12:1-15 SNA2002

Zvino Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Akasvika kwaari, akati kwaari, “Kwakanga kuna varume vaviri muguta rimwe; mumwe wakanga akapfuma, asi mumwe wakanga ari murombo. Mupfumi wakanga ana makwai nemombe zhinji kwazvo; asi murombo wakanga asine chinhu, asi gwayana rimwe duku resheshe, raakanga atenga, akarirera; rikakura kwaari pamwechete navana vake, rikadya zvokudya zvake, nokunwira pamukombe wake, nokuvata pachifuva chake, rikafanana nomukunda wake. Zvino mufambi wakati achisvika kumupfumi, iye akaramba kutora chipfuwo kumakwai ake kana kumombe dzake, kuti achigadzirire mufambi wakanga asvika kwaari, asi wakatora gwayana romurombo, akarigadzirira munhu wakanga asvika kwaari.” Ipapo kutsamwa kwaDhavhidhi kwakamukira munhu uyu kwazvo, akati kuna Natani, “NaJehovha mupenyu, munhu wakaita kudai, anofanira kufa. Uye unofanira kuripira gwayana iro namana, zvaakaita izvozvo, uye zvaakanga asine nyasha.” Natani akati kuna Dhavhidhi, “Ndiwe munhu uyo! Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Ndakakuzodza iwe kuti uve mambo waIsiraeri, ndikakurwira paruoko rwaSauro, ndikakupa imba yatenzi vako, navakadzi vatenzi vako pachipfuva chako, ndikakupa imba yaIsiraeri neyaJudha; uye dai izvo zvisina kuringana, ndaikuwedzera zvokuti nezvokuti. Wazvidzireiko shoko raJehovha, ukaita zvakaipa pamberi pake? Wauraya Uriya muHiti nomunondo, ukatora mukadzi wake kuti ave mukadzi wako, ukamuurayisa nomunondo wavaAmoni. Naizvozvo zvino munondo haungabvi paimba yako nokusingaperi; nokuti wakandizvidza, ukatora mukadzi waUriya muHiti kuti ave mukadzi wako.’ Zvanzi naJehovha, ‘Ndichakumutsira zvakaipa zvichabva mumba mako, ndichatora vakadzi vako pamberi pako ndichavapa waugere naye, iye uchavata navakadzi vako masikati machena. Nokuti iwe wakazviita pakavanda, asi ini ndichazviita pamberi pavaIsiraeri vose, ari masikati machena.’ ” Ipapo Dhavhidhi akati kuna Natani, “Ndatadzira Jehovha.” Natani akati kuna Dhavhidhi, “Jehovha wakanganwirawo zvivi zvako; haungafi. Kunyange zvakadaro, zvawakabatsira kwazvo vavengi vaJehovha kumumhura nechinhu ichi chawaita, uyo mwana wawaberekerwa, zvirokwazvo uchafa.” Natani akabva, akaenda kumba kwake. Jehovha akarova mwana wakanga aberekerwa Dhavhidhi nomukadzi waUriya, akarwara kwazvo.