Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 4:1-11

1 Samueri 4:1-11 SNA2002

Shoko raSamueri rakasvika kuvaIsiraeri vose. Zvino vaIsiraeri vakaenda kundorwa navaFirisitia, vakavaka misasa yavo pedyo neEbheniezeri; vaFirisitia vakavaka misasa yavo paAfeki. VaFirisitia vakazvigadzira kurwa navaIsiraeri; zvino vakati vorwa, vaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia, vakauraya pakati pavakanga vakagadzirirwa kurwa varume vanenge zviuru zvina. Zvino vanhu vakati vasvika kumisasa, vakuru vaIsiraeri vakati, “Jehovha wakatirovereiko nhasi pamberi pavaFirisitia? Handei, titore areka yesungano yaJehovha paShiro, iuye pakati pedu itirwire pamaoko avavengi vedu.” Naizvozvo vanhu vakatuma nhume Shiro kundotorapo areka yesungano yaJehovha wehondo, ugere pamusoro pamakerubhi; vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakanga varipo paareka yesungano yaMwari. Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika pamisasa, vaIsiraeri vose vakapururudza nokupururudza kukuru, nyika ikaita mawungira. VaFirisitia vakati vachinzwa izwi rokupururudza, vakati, “Izwi iro rokupururudza, riri kumisasa yavaHebheru rinoti kudiniko?” Vakanzwa kuti areka yaJehovha yasvika kumisasa. VaFirisitia vakatya, nokuti vakati, “Mwari wasvika kumisasa.” Vakati, “Tine nhamo! Nokuti chinhu chakadai hachina kumbovapo. Tine nhamo! Ndianiko uchatirwira pamaoko avamwari ava vane simba? Ndivo vamwari vakadeya kurova vaIjipiti namadambudziko amarudzi mazhinji murenje. Simbai, muite savarume, imi vaFirisitia, kuti murege kuva varanda vavaHebheru, sezvavakanga vakaita kwamuri; itai savarume, murwe.” Zvino vaFirisitia vakarwa, vaIsiraeri vakakundwa, vakatiza, mumwe nomumwe kutende rake, kukavapo kuurawa kukuru, nokuti kuvaIsiraeri kwakafa vane zviuru zvina makumi matatu vaifamba namakumbo. Areka yaMwari ikatorwa, uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakaurawa.

Verenga chikamu 1 Samueri 4