Hana akanyengetera, akati, “Mwoyo wangu unofarira Jehovha, Runyanga rwangu rwakakwiridzwa muna Jehovha; Muromo wangu wakashamira vavengi vangu; Nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu. Hakuna mutsvene wakafanana naJehovha; Nokuti hakuna mumwe kunze kwenyu. Uye hakuna dombo rakafanana naMwari wedu. Musaramba muchitaura muchizvikudza zvikuru, Manyawi ngaarege kubuda pamiromo yenyu, Nokuti Jehovha ndiMwari unoziva, Mabasa avanhu anoyerwa naye. Uta hwavanhu vane simba vakavhunika, Vakanga vachigumburwa vakasungwa zvino nesimba. Vakanga vakaguta vakandobatira zvokudya zvavo, Vakanga vane nzara vozorora. Wakanga asingabereki wakabereka vanomwe; Asi iye wakanga ana vana vazhinji voshaiwa simba. Jehovha ndiye unouraya, nokuraramisawo; Ndiye unoburusira kuhwiro, nokukwidzawo. Jehovha ndiye unopa urombo, ndiye unofumisawo. Ndiye unodukupisa, nokukwiridzawo. Ndiye unosimudza varombo paguruva, Unosimudza rombe, achimubvisa padurunhuru; Kuti avagarise pamwechete namachinda, Avagarise nhaka yechigaro choushe chinobwinya. Nokuti mbiru dzenyika ndedzaJehovha, Iye wakateya nyika pamusoro padzo. Uchachengeta tsoka dzavatsvene vake, Asi vakaipa vachanyaradzwa murima; Nokuti hakuna munhu achakunda nesimba rake. Vanorwa naJehovha vachapwanyiwa; Uchavatinhirira ari kudenga; Jehovha uchatonga migumo yenyika; Uchapa mambo wake simba, Nokukwiridza runyanga rwomuzodzwa wake.”
Verenga chikamu 1 Samueri 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 2:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo