Zvino vaFirisitia vakakoka hondo dzavo kuzorwa, vakaungana paSoko raiva raJudha, vakavaka misasa yavo pakati peSoko naAzeka paEfesidamimi. Sauro navarume vaIsiraeri vakaunganawo, vakavaka misasa yavo pamupata weEra, vakagadzira hondo kuzorwa navaFirisitia. VaFirisitia vakanga vamire pagomo kuno rumwe rutivi, navaIsiraeri vakanga vamire pagomo kuno rumwe rutivi; mupata wakanga uri pakati pavo.
Zvino kumisasa yavaFirisitia kwakabuda mhare, yainzi Goriati weGati; kureba kwake kwakanga kuna makubhiti matanhatu uye sapanosvika minwe. Wakanga ane ngoani yendarira pamusoro wake, uye wakanga akafuka nguo dzokurwa dzamabape endarira, nguo dzokurwa dzamabape endarira dzakasvika mashekeri ane zviuru zvishanu zvendarira pakurema kwadzo. Wakanga ane zvidzitiro zvamakumbo zvendarira, nemharu yendarira pakati pamafudzi ake.
Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakafanana nedanda romuruki; nechese yepfumo rake yakasvika mashekeri ana mazana matanhatu amatare pakurema kwayo; uye mubati wenhowo yake waifamba mberi kwake. Akamira, akadanidzira kuhondo dzavaIsiraeri, akati kwavari, “Mabudireiko muchigadzira hondo yenyu? Ini handizi muFirisitia, nemi varanda vaSauro here? Imi muzvitsaurire murume, aburukire kuno kwandiri. Kana akagona kurwa neni, akandiuraya, isu tichava varanda venyu; asi kana ini ndikamukunda, ndikamuuraya, imi muchava varanda vedu, muchatibatira.” MuFirisitia akati, “Nhasi ndinoshoora hondo dzavaIsiraeri; ndipei munhu, tirwe.” Zvino Sauro navaIsiraeri vose vakati vachinzwa mashoko awa omuFirisitia, vakavhunduka, vakatya kwazvo.
Zvino Dhavhidhi wakanga ari mwanakomana womuEfurata weBheterehemujudha, wainzi Jese; iye wakanga ana vanakomana vasere, asi munhu uyu wakanga ava mutana pamazuva aSauro, akwegura pakati pavarume. Vanakomana vatatu vakuru vaJese vakanga vaenda naSauro kundorwa; zvino mazita avana vake vatatu, vakanga vaenda kundorwa, akanga ari, Eriabhu wedangwe, tevere Abhinadhabhu, wechitatu Shama.
Dhavhidhi wakanga ari muduku kuna vose; vakuru vatatu vakanga vaenda naSauro. Zvino Dhavhidhi waisienda kuna Sauro, achidzoka kuzofudza makwai ababa vake paBheterehemu. MuFirisitia waiswedera mangwana namadeko, akamirapo mazuva ana makumi mana.
Zvino Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, “Chindopa vakuru vako imwe yezviyo izvi zvakakangwa, nezvingwa zvine gumi, ukurumidze kuzviisa kumisasa kuvakuru vako; asi mapundu awa omukaka wakafa ane gumi uise kumukuru wechuru chavo, ugotarira kuti vakuru vako vakadiniko, ndokutora kwavari chokuwonerapo.” Zvino Sauro, naivo navarume vose vaIsiraeri vakanga vari pamupata weEra vachirwa navaFirisitia.