Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 15:1-16

1 Samueri 15:1-16 SNA2002

Zvino Samueri akati kuna Sauro, “Jehovha wakandituma kuti ndikuzodze, uve mambo wavanhu vake ivo vaIsiraeri; naizvozvo zvino chinzwa mashoko aJehovha. Zvanzi naJehovha wehondo, ‘Ndakacherekedza zvakaitirwa Isiraeri navaAmareki, kuti wakavadzivirira panzira nguva yokubva kwavo Ijipiti. Zvino chienda undokunda vaAmareki, uparadze chose zvose zvavanazvo, usavarega; asi uuraye varume navakadzi vose, navacheche navanomwa, nemombe namakwai, namakamera nembongoro.’ ” Sauro akadana vanhu, akavaverenga paTeraimi, vakasvika zviuru zvina mazana maviri zvavaifamba namakumbo, navarume vavaJudha vane zviuru zvine gumi. Sauro akasvika paguta ravaAmareki, akavavandira pamupata. Sauro akati kuvaKeni, “Endai mubve, muburuke mubve pakati pavaAmareki, ndirege kukuparadzai pamwechete navo; nokuti imi makava nomwoyo munyoro navana vose vaIsiraeri, panguva yokubuda kwavo Ijipiti.” Naizvozvo vaKeni vakabva pakati pavaAmareki. Ipapo Sauro akaparadza vaAmareki, kubva paHavira kusvikira paShuri, pakatarisana neIjipiti. Akabata Agagi, mambo wavaAmareki achiri mupenyu, akaparadza vanhu vose chose neminondo inopinza. Asi Sauro navanhu vakarega Agagi, namakwai akaisvonaka, nedzimwe mombe, nezvimwe zvakakora, namakwayana, nezvose zvakanga zvakanaka, vakaramba kuzviparadza chose; asi zvose zvavakazvidza, zvakanga zvisino kunaka, ndizvo zvavakaparadza chose. Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri, rikati, “Ndinozvidemba zvandakagadza Sauro ave mambo, nokuti wadzoka, haachanditeveri, haana kuita sezvandakamuraira.” Samueri akava neshungu, akachema kuna Jehovha usiku hwose. Zvino Samueri akamuka mangwanani kundosangana naSauro. Samueri akaudzwa, zvichinzi, “Sauro wakasvika Karimeri, akazvimisira shongwe, zvino watsauka, wapfuura, waburukira Girigari.” Samueri akasvika kuna Sauro, Sauro akati kwaari, “Jehovha ngaakuropafadze; ndaita sezvandakarairirwa naJehovha.” Samueri akati, “Ko kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu nokukuma kwemombe kwandinonzwa kunoti kudiniko?” Sauro akati, “Vabva nazvo kuvaAmareki, nokuti vanhu havana kuuraya makwai akaisvonaka nenzombe, kuti vabayire Jehovha Mwari wenyu; asi zvimwe zvose takazviparadza chose.” Ipapo Samueri akati kuna Sauro, “Nyarara, ndikuzivise zvandakaudzwa naJehovha usiku uhwu. Akati kwaari, ‘Taurai henyu.’