Zvino varume vaIsiraeri vakaziya nomusi uyo, asi Sauro wakapikira vanhu, akati, “Ani nani unodya zvokudya kusvikira madekwana, kusvikira ndatsivira vavengi vangu, ngaatukwe.” Naizvozvo hakuna munhu wakaravira zvokudya.
Zvino vanhu vose vakasvika padondo, vakawana uchi huripo pasi. Vanhu vakati vasvika padondo, vakawana uchi hoyerera pasi, asi hakuna munhu wakaisa ruoko rwake kumuromo wake, nokuti vanhu vakatya kupika kwaSauro. Asi Jonatani wakanga asina kunzwa baba vake vachiraira vanhu nokupika kwavo; naizvozvo akatambanudza muromo wetsvimbo yake, yakanga iri muruoko rwake, akainyika muzinga rouchi, akaisa ruoko rwake kumuromo wake, meso ake akasvinudzwa. Ipapo mumwe wavanhu akapindura, akati, “Baba vako vakaraira vanhu kwazvo nokupika vachiti, ‘Ani nani unodya zvokudya nhasi ngaatukwe.’ ” Asi vanhu vakanga vaziya.
Zvino Jonatani akati, “Baba vangu vanetsa nyika. Chionai henyu, meso angu asvinudzwa seiko, nokuti ndaravira uchi uhwu; ndoda kana vanhu vakanga vatenderwa kudya zvavakanga vapamba kuvavengi vavo! Asi zvino havana kuuraya vaFirisitia vazhinji.” Nomusi uyo vakauraya vaFirisitia kubva paMikimashi kusvikira paAjaroni; vanhu vakaziya kwazvo. Vanhu vakamhanyira zvakapambwa, vakatora makwai nemombe, nemhuru, vakazviurayira pasi, vanhu vakazvidya pamwechete neropa razvo. Zvino vakaudza Sauro, vakati, “Tarirai, vanhu vanotadzira Jehovha, nokuti vanodya pamwechete neropa.” Akati, “Makaita nokusatendeka; ndikungurusirei pano ibwe guru nhasi.” Zvino Sauro akati, “Pararirai pakati pavanhu, muti kwavari, ‘Mumwe nomumwe ngaauye kwandiri nenzombe yake, mumwe nomumwe negwai rake, azviurayire pano, adye murege kutadzira Jehovha muchidya pamwechete neropa.’ ” Zvino vanhu vose vakauya usiku uhwo mumwe nomumwe nenzombe yake, vakadziurayirapo. Sauro akavakira Jehovha aritari; iyo aritari ndiyo yokutanga yaakavakira Jehovha.
Zvino Sauro akati, “Ngatiburuke, titevere vaFirisitia usiku, tivapambare kusvikira kwoedza, tirege kusiya munhu mumwe kwavari.” Ivo vakati, “Itai henyu sezvamunoda.” Ipapo mupristi akati “Ngatiswedere kuna Mwari pano.” Sauro akabvunza Mwari, akati, “Ndoburuka, nditevere vaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko avaIsiraeri here?” Asi haana kumupindura musi iwoyo. Sauro akati, “Swederai pano, imi vakuru vose vavanhu, muzive nokuona kuti chivi ichi chakaitwa nhasi ndecheiko?
“Nokuti naJehovha mupenyu, iye unoponesa Isiraeri, kunyange zviri kuna Jonatani mwanakomana wangu, achafanira kufa zvirokwazvo.” Asi kwakanga kusino munhu pakati pavanhu vose wakamupindura. Zvino akati kuvaIsiraeri vose, “Imi mirai kurutivi rumwe, neni naJonatani mwanakomana wangu tichamira kuno rumwe rutivi.” Vanhu vakati kuna Sauro, “Itai henyu sezvamunoda.”
Zvino Sauro akati kuna Jehovha, Mwari waIsiraeri, “Ratidzai zvakarurama.” Zvino Jonatani naSauro vakabatwa nemijenya, asi vanhu vakapukunyuka havo. Zvino Sauro akati kuvaIsiraeri vose, “Kandai mijenya pakati pangu naJonatani mwanakomana wangu.” Jonatani akabatwa. Zvino Sauro akati kuna Jonatani, “Ndiudze chawaita.” Jonatani akamuudza, akati, “Ndakaravira hangu zviuchi nomuromo wetsvimbo yandakanga ndakabata muruoko rwangu; zvino ndinofanira kufa hangu.”
Sauro akati, “Mwari ngaandirove, arambe achidaro, nokuti zvirokwazvo unofanira kufa, Jonatani.” Zvino vanhu vakati kuna Sauro, “Jonatani ungafa seiko, iye wakaponesa vaIsiraeri nokuponesa kukuru uku? Haisva! NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomusoro wake harungawiri pasi, nokutiwakabata pamwechete naMwari nhasi.” Naizvozvo vanhu vakadzikinura Jonatani, akasafa.
Zvino Sauro akarega kutevera vaFirisitia, vaFirisitia vakaenda kunyika yavo.
Zvino Sauro wakati agadzwa ushe hwaIsiraeri, akarwa navavengi vake vose kunhivi dzose, navaMoabhu, navana vaAmoni, navaEdhomu, namadzimambo eZoba, navaFirisitia; pose paakaenda wakakunda. Akarwa noumhare, akakunda vaAmareki, akarwira vaIsiraeri pamaoko avaivapambara.
Zvino vanakomana vaSauro vaiva Jonatani, naIshivi, naMarikishua, namazita avanasikana vake vaviri aiti, Zita rowedangwe Merabhi, nezita romuduku Mikari. Zita romukadzi waSauro raiva Ahinoamu, mwanasikana waAhimaazi, nezita romutungamiriri wehondo yake raiva Abhineri, mwanakomana waNeri, babamunini vaSauro. Kishi ndiye waiva baba vaSauro; naNeri, baba vaAbhineri, waiva mwanakomana waAbhieri.
Bamazuva ose aSauro vakanga vachirwa zvikuru navaFirisitia; zvino Sauro wakati kana achiona murume ane simba kana murume uno umhare, waimugarisa naye.