Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 1:1-6

1 Samueri 1:1-6 SNA2002

Zvino kwakanga kuno mumwe murume weRamataimisofimi, wenyika yamakomo yaEfuremu, wainzi Erikana, mwanakomana weJehoramu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfurata. Iye wakanga ana vakadzi vaviri, zita romumwe rainzi Hana, uye zita romumwe rainzi Penina; Penina wakanga ana vana, asi Hana wakanga asina vana. Zvino murume uyu waisikwira gore rimwe nerimwe achibva kuguta rake kundonamata nokubayira Jehovha wehondo paShiro. Vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakanga varipo vari vapristi vaJehovha Zvino zuva rokubayira kwake rakati rasvika, Erikana akapa mukadzi wake Penina, navanakomana vake vose navanasikana vake migove yavo; asi Hana wakamupa migove miviri; nokuti wakanga achida Hana, asi Jehovha wakanga azarira chizvaro chake. Zvino muvengi wake Penina akamunetsa kwazvo, kuti azvidye mwoyo, nokuti Jehovha wakazarira chizvaro chake.

Verenga chikamu 1 Samueri 1