Naizvozvo ndinorayira vakuru pakati penyu, ini mukuru pamwechete navo nechapupu chamadambudziko aKristu, nomugovani nawo wokubwinya kuchazoratidzwa, ndichiti: Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, musingazviiti nokurovererwa, asi nomwoyo unoda nokuda kwaMwari, musingazviiti nokuda kwokukarira pfuma yakaipa; musingaiti nesimba nezvamakagoverwa, asi muve vatungamiriri veboka. Kana Mufudzi mukuru achizoonekwa, muchawana korona yokubwinya isingasvavi.
Saizvozvo imi vaduku, muzviise pasi pavakuru, nemi mose pfekai kuzvininipisa mumwe kune mumwe, nokuti Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa. Naizvozvo zvininipisei pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti akukudzei nenguva yakafanira; kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye anokuchengetai.
Svinurai, murinde; muvengi wenyu Dhiabhori, anofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza. Mumudzivisei, makamira nesimba pakutenda, muchiziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika. Zvino Mwari wenyasha dzose, iye akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, kana mambotambudzika kanguva kaduku, achakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai.