Mwari akapa Soromoni kungwara nokunzwisisa kukuru, nomwoyo wakaziva zvakanaka, zvakafanana nejecha riri pamhenderekedzo yegungwa. Kungwara kwaSoromoni kwakapfuura kungwara kwavana vamabvazuva, nokungwara kwose kwavaIjipiti. Nokuti wakapfuura vanhu vose nokungwara; wakakunda Etani muEzirahi, naHemani, naKarikori, naDharidha, vana vaMahori; mukurumbira wake ukasvika kundudzi dzose dzakanga dzakavapoteredza. Wakataurawo shumo dzine zviuru zvitatu, uye nziyo dzake dzakasvika chiuru chimwe neshanu. Akataura zvemiti, kubva pamisidhari iri paRebhanoni kusvikira pamuhisopi unomera parusvingo; akataurawo zvemhuka, neshiri, nezvinokambaira, nehove. Vanhu vamarudzi ose vakauya kuzonzwa kungwara kwaSoromoni, vakabva kumadzimambo ose enyika, vakanga vanzwa zvokungwara kwake.
Verenga chikamu 1 Madzimambo 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Madzimambo 4:29-34
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo