Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 13:1-17

1 Madzimambo 13:1-17 SNA2002

Zvino tarira, mumwe munhu waMwari wakanga arairwa neshoko raJehovha, wakabva kwaJudha, akasvika Bheteri; Jerobhoamu wakanga amire paaritari achipisa zvinonhuwira. Iye akadanidzira kuaritari, neshoko raJehovha, akati, “Iwe aritari, aritari, zvanzi naJehovha, Tarirai, imba yaDhavhidhi ichaponerwa mwanakomana, uchanzi Josia; iye uchabaya pamusoro pako vapristi vamatunhu akakwirira, vanopisira zvinonhuwira pamusoro pako, uye vachapisa mapfupa avanhu pamusoro pako.” Akavapa chiratidzo nezuva iro, akati, “Ndicho chiratidzo chakataurwa naJehovha, Tarirai, aritari ichapamuka, namadota ari pamusoro payo acharashirwa pasi.” Zvino mambo wakati achinzwa shoko romunhu waMwari, raakadanidzira kuaritari paBheteri Jerobhoamu akasimudza ruoko rwake paaritari, akatendeka narwo, akati, “Mubatei!” Ipapo ruoko rwake rwaakanga amutendeka narwo rwakawoma, akasagona kurudzosazve. Aritariwo yakapamuka, namadota akarashirwa pasi paaritari, chiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari chikaitika, icho chakanga charairwa naJehovha. Ipapo mambo akapindura, akati kumunhu waMwari, “Kumbira hako kuna Jehovha Mwari wako andinzwire nyasha, undinyengeterere, kuti ndiporeserwezve ruoko rwangu.” Munhu waMwari akanyengetera kuna Jehovha, mambo akaporeserwazve ruoko rwake, rukaita sakare. Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, “Enda neni kumba kwangu, uzvisimbisepo, ini ndikupewo mubayiro.” Asi munhu waMwari wakati kuna mambo, “Kunyange mukandiganhurira imba yenyu napakati, handingapindi kwamuri, kunyange kudya zvokudya, kana kunwa pano; nokuti Jehovha wakandiraira neshoko rake, akati, ‘Usadya zvokudya, kana kunwa mvura, kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.’ ” Naizvozvo akadzoka neimwe nzira, haana kudzoka nenzira yaakanga aenda nayo Bheteri. Zvino paBheteri pakanga pagere muporofita mutana; mwanakomana wake akandomuudza mabasa ose akaitwa nomunhu waMwari paBheteri pazuva iro; namashoko aakataura kuna mambo, naiwo vakaudzawo baba vavo. Ipapo baba vavo vakati kwavari, “Waenda nenzira ipiko?” Zvino vana vake vakanga vaona nzira yaendwa nayo nomunhu waMwari wokwaJudha. Akati kuvanakomana vake, “Ndisungirei chityaro pambongoro;” ivo vakamusungira chityaro pambongoro, akaitasva. Akatevera munhu waMwari, akamuwana agere pasi pomuti womuoki, ndokuti kwaari, “Ndiwe munhu waMwari wakabva kwaJudha here?” Akati, “Ndini.” Ipapo akati kwaari, “Hendei kumba kwangu, undodya zvokudya.” Iye akati, “Handingagoni kudzoka nemi kana kupinda kwamuri, handingadyi zvokudya, kana kunwa mvura nemi pano; nokuti ndakarairwa neshoko raJehovha, akati, ‘Usadya zvokudya, kana kunwa mvurapo kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.’ ”