Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 7:17-40

1 VaKorinde 7:17-40 SNA2002

Asi, mumwe nomumwe sezvaakagoverwa naIshe, mumwe nomumwe sezvaakadanwa naMwari ngaafambe saizvozvo. Ndizvo zvandinorayira pakereke dzose. Kana mumwe achinge akadanwa akadzingiswa, ngaarege kuitwa asakadzingiswa; kana mumwe achinge akadanwa asakadzingiswa, ngaarege kudzingiswa. Kudzingiswa hachizi chinhu, nokusadzingiswa hachizi chinhu, asi kuchengeta mirayiro yaMwari. Mumwe nomumwe ngaagare pakudanwa kwaakadanwa nako. Wakadanwa uri muranda here? Usazvidya mwoyo; asi kana ungasunungurwa, zviri nani kuti udaro hako. Nokuti akadanwa muna Ishe, ari muranda, wava musunungurwa waIshe; saizvozvowo, akadanwa akasununguka, wava muranda waKristu. Makatengwa nomutengo; regai kuva varanda vavanhu. Hama dzangu, mumwe nomumwe ngaagare pamberi paMwari ipapo paakadanwa napo. Zvino, pamusoro pemhandara, handina murayiro waIshe; asi ndinotaura somunhu wakapiwa ngoni naIshe kuti ave akatendeka. Naizvozvo ndinoti kuda kwenhamo ino, zvakanaka kuti munhu agare akadaro. Wakabatanidzwa nomukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa pamukadzi here? Usatsvaka mukadzi. Zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana yawanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirirai. Zvino ndinozvitaura izvi, hama dzangu, nokuti nguva ipfupi; kuti kubva zvino vana vakadzi vave savasina; navanochema vave savasingachemi; navanofara savasingafari; navanotenga savasina chinhu; navanobata nezvenyika, savasingabatisisi nazvo; nokuti mugariro wenyika ino unopfuura. Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Asina kuwana, anofunga zvaIshe, kuti angafadza Ishe wake sei. Asi akawana, anofunga zvenyika, kuti angafadza mukadzi wake sei. Nomukadzi asina kuwanikwa nemhandara anofunga zvaIshe, kuti ave mutsvene pamuviri napamweya; asi akawanikwa anofunga zvenyika, kuti angafadza murume wake sei. Izvi ndinotaura kuti mubatsirwe imi; ndisingadi kukusungai nomusungo, asi nokuda kwezvakafanira, uye kuti munamatire Ishe, musingakanganiswi. Asi kana mumwe achifunga kuti haaitiri mukunda wake, yava mhandara, zvakafanira, iye zvaatokura kwazvo hake, ngaaite nokuda kwake, haatadzi; ngavawaniswe havo. Asi uyo anomira akasimba pamwoyo pake, asingamanikidzwi nechinhu, asi ane simba pamusoro pokuda kwake, akatema mumwoyo make chinhu ichi, kuti achachengeta mhandara yake, iye anoita zvakanaka. Naizvozvo, anomuwanisa anoita zvakanaka; noasingamuwanisi, anoita zvinopfuura nokunaka. Mukadzi akasungwa nomurayiro, murume wake achiri mupenyu; zvino kana murume wake afa, asununguka, kuti awanikwe nowaanoda; asi ngazviitwe muna Ishe. Asi anganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu ini; zvino ndinoti neniwo ndinaMweya waMwari.