Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaRoma 8:20-23

ƲaRoma 8:20-23 SUB1949

Nokuti ɀisikwa ɀakaiswa pasi peɀisiŋgagari, ɀisiŋgaɗi haɀo, asi nokuɗa kwaiye wakaɀiisa pasi paɀo, ɀicitarira kuti ɀisikwa ɀimene ɀisunuŋgurwe ʋo paʋuranda bgokuʋora, ɀiiswe pakusunuŋgurwa kwokubginya kwaʋana ʋaMŋari. Nokuti tinoziʋa kuti ɀisikwa ɀose ɀinogomera nokurwadziwa pamŋe cete kuȿikira ɀino. Ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi nesu ʋo, kunyaŋge tineɀiɓereko ɀokutaŋga ɀoMŋeya, nesu timene tinogomera mukati meɗu, ticimirira kuitwa kweɗu ʋana, ndiko kudzikinurwa kwomuʋiri weɗu.

Verenga chikamu ƲaRoma 8