Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaRoma 7:14-19

ƲaRoma 7:14-19 SUB1949

Nokuti tinoziʋa kuti murairo ndowomŋeya; asi ini ndiri wenyama, ndakateŋgeswa pasi peɀiʋi. Nokuti ɀandinoita handiɀiziʋi; nokuti ɀandinoita haɀizi ɀandinoɗa; asi ɀandinoʋeŋga, ndiɀo ɀandinoita. Ɀino kana ndiciita ɀandisiŋgadi, ndinobvumira kuti murairo wakanaka. Ɀino handicini ndinoɀiita, asi ɀiʋi ɀinogara mandiri. Nokuti ndinoziʋa kuti mukati maŋgu, imo munyama yaŋgu, hamugari cinhu cakanaka; nokuti kuɗa kuri’po kwandiri, asi kuita ɀakanaka haku’po. Nokuti ɀakanaka, ɀandinoɗa, handiɀiiti; asi ɀakaipa, ɀandisiŋgaɗi, ndiɀo ɀandinoita.

Verenga chikamu ƲaRoma 7