Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaRoma 4:18-25

ƲaRoma 4:18-25 SUB1949

Wakatenda netariro pasinetariro, kuti aʋe ɓaɓa ʋamarudzi mazhinji, seɀakaŋga ɀarebga, ɀicinzi: Rudzi rwako rucaɗaro. Haana‐kushaiwa simba pakutenda, acifuŋga muʋiri wake wakaŋga watofa hawo (ɀaaiʋa namakore aneŋge zana), nokufa kweciɀaro caSara; akatarira cipikirwa caMŋari, haanakunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mŋari, aciziʋa kwaɀo, kuti ico caakapikira, wakaŋga anesimba rokuciita ʋo. Saka ɀakanzi kwaari ndiko kururama. Ɀino haɀina‐kunyorwa nokuɗa kwake ɓedzi, kuti ɀakanzarwo kwaari; asi nokuɗa kweɗu ʋo; nesu ticanzarwo, iyesu, tinotenda kunowakamutsa Jesu, Ishe weɗu, kuʋakafa, iye wakaiswa kurufu nokuɗa kwokuɗarika kweɗu, akamutswa nokuɗa kwokururamiswa kweɗu.

Verenga chikamu ƲaRoma 4

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neƲaRoma 4:18-25