Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀakazarurwa 2:18-29

Ɀakazarurwa 2:18-29 SUB1949

Nyorera mutumŋa wekereke iri paTiatira, uti: Ɀanzi noMŋanakomana waMŋari, unameso akafanana nomuraɀo womŋoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya: Ndinoziʋa maɓasa ako, noruɗo, nokutenda, nokushumira, nokutsuŋgirira kwako, ʋuye kuti maɓasa ako okupedzisira anopfuʋura okutaŋga. Asi handifari necinhu ici kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesaberi, unoɀiidza muprofitakadzi, ʋuye unodzidzisa nokutsausa ʋaranda ʋaŋgu, kuti ʋaite ʋupombge, nokudya ɀakaɓayirwa ɀifananidzo. Ndakamupa ŋguʋa kuti atendeʋuke; akaramba kutendeʋuka pakufeʋa kwake. Tarira, ndoɗa kumukandira panhoʋo, naʋanoita ʋupombge naye panhamo huru, kana ʋasiŋgatendeʋuki pamaɓasa ake. Naʋana ʋake ndicaʋaʋuraya norufu; nekereke dzose dzicaziʋa kuti ndini ndinonɀera itȿo nemŋoyo; ndicapa mumŋe nomumŋe wenyu paakaɓata napo. Asi kwamuri, imi makasara paTiatira, ʋose ʋasinedzidziso iyi, ʋasiŋgaziʋi iɀo ɀaʋanoti ɀakadzika ɀaSatani, ndinoti kwamuri: Handiŋgakutakudziyi mumŋe mutoro. Asi ɓatisai iɀo ɀamunaɀo kuȿikira ndiciʋuya. Unokunda aciceŋgeta maɓasa aŋgu kuȿikira pakupedzisira, ndicamupa simba pamsoro pamarudzi; ucaafudza netȿimbo yeɗare, sehari dzomuʋumbi dzinoputsanyiwa; seɀandakapiwa ʋo naƂaɓa ʋaŋgu. Ʋuye ndicamupa nyamasase. Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke.