Nokuti iye ucakurwira parugombe rwomuteyi weshiri, Napahosha inoʋuraya ɀikuru. Iye ucakufukidza nemhineŋga yake, Ucatizira pasi pamapapiro ake; Ɀokwaɗi yake inhoʋo huru neɗuku. Hauŋgatyi cinhu cinovundusa ʋusiku, Kana museʋe unofurwa masikati; Kana hosha inofamba murima, Kana kuparadza kunoʋuraya masikati. Kurutiʋi rwako kucawa ʋanegumi ramazana, Nezana ramazana paruʋoko rwako rworudyi; Asi haɀiŋgasweɗeri kwauri. Ucaŋgoɀitarira hako nameso ako, Ukaʋona muɓayiro waʋakaipa. Nokuti imi Jehova, muri ʋutiziro bgaŋgu! Iwe wakaita Wokumsoro‐soro ʋugaro bgako. Hapana cakaipa ciŋgakuwira, Ʋuye hapanehosha icasweɗera patente rako. Nokuti iye ucaraira ʋatumŋa ʋake pamsoro pako, Kuti ʋakuceŋgete panzira dzako dzose. Ʋacakusimudza pamaʋoko aʋo, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabge. Ucatsika pamsoro peshumba neciʋa; Mŋana weshumba nenyoka ucaɀitsikirira pasi.
Verenga chikamu Mapisarema 91
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 91:3-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo