Uneŋgoni munomuitira ʋo neŋgoni,
Nomunhu wakarurama kwaɀo, munomuitira ʋo ɀakarurama;
Wakanaka munomuitira ʋo ɀakanaka,
Nowakatsauka, munomuitira ʋo nehasha.
Nokuti mucaponesa ʋanhu ʋanotambudzika;
Asi mucaɗeredza meso aʋanoɀikudza.
Nokuti imi mucatuŋgidza mŋenje waŋgu;
Jehova Mŋari waŋgu ucavenekera rima raŋgu.
Nokuti nemi ndicaʋamba hondo,
Kana ndinaMŋari waŋgu ndicaɗarika ruȿiŋgo.
Kana ari Mŋari, nzira yake yakakwana kwaɀo;
Shoko raJehova rakaidzwa;
Ndiye nhoʋo yaʋose ʋanoʋimba naye.
Nokuti ndianiko Mŋari, asi iye Jehova?
Ndianiko ɗombo, asi iye Mŋari weɗu?
Iye Mŋari, unondisuŋga ciʋuno nesimba,
Unokwanisa nzira yaŋgu.
Unoita tsoka dzaŋgu dziʋe setsoka dzenondokadzi,
Unondiisa pamatunhu aŋgu akakwirira.
Unodzidzisa maʋoko aŋgu kurwa;
Naiɀoɀo maʋoko aŋgu anowembura ʋuta bgendarira.
Makandipa ʋo nhoʋo yokuponesa kwenyu;
Ruʋoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira,
Ʋuye ʋunyoro bgenyu bgakandiita mukuru.
Makandiitira nɀimbo yakafarikana pandiŋgatsika;
Ʋuye tsoka dzaŋgu hadzina‐kutedzemuka.
Ndicateʋerera ʋaʋeŋgi ʋaŋgu nokuʋaɓata,
Handiŋgadzoki ɀe kuȿikira ʋapedzwa.
Ndicaʋaɓaya, ʋakoniwe kusimuka;
Ʋacawira pasi petsoka dzaŋgu.
Nokuti makandisuŋga ciʋuno nesimba rokurwa naro;
Makandikundisa ʋaindimukira.
Makatizisa ʋaʋeŋgi ʋaŋgu,
Kuti ndiparadze ʋanondiʋeŋga.
Ʋakacema, asi kwakaŋga kusinaunoponesa,
KunaJehova, asi haana‐kuʋapindura.
Ipapo ndakaʋapxanya‐pxanya seguruʋa pamberi pemhepo;
Ndakaʋarashira kure samatope enzira dzomumusha.
Makandirwira pakukakaʋadzana kwaʋanhu;
Makandiita mukuru wendudzi;
Ʋanhu ʋandakaŋga ndisiŋgaziʋi, ʋacandishumira.
Ʋacaterera pakarepo kana ʋacindinzwa,
Ʋatorwa ʋacanamata kwandiri.
Ʋatorwa ʋacatorerwa simba,
Ʋacaɓuɗa paʋaiʋanda ʋaciɗeɗera.
Jehova mupenyu; ɗombo raŋgu ŋgarikudzwe;
Mŋari wokuponeswa kwaŋgu ŋgaarumbidzwe.
Ndiye Mŋari unonditsiʋira,
Unondikundisa ndudzi dzaʋanhu.
Iye unondirwira kuʋaʋeŋgi ʋaŋgu;
Ɀirokwaɀo, munondisimudzira kumsoro kwaʋanondimukira.
Munondirwira pamunhu unomanikidza.
Naiɀoɀo ndicakuʋoŋgai Jehova, pakati pendudzi,
Ndicaimbira zita renyu nziyo dzokukudza.
Unopa mambo wake kuponeswa kukuru;
Unoitira muzodzwa wake ʋunyoro,
Iye Davidi nomŋana wake nokusiŋgaperi.